Winky D - Daddy lyrics

Published

0 221 0

Winky D - Daddy lyrics

[Intro: Winky D] Ga-ga-gafa ChiExtraterrestrial Mwana akabvunza chihonest question baba namai vakatandara Hapana akamupindura [Chorus: Winky D] Daddy maiitei? Vamwe vachitenga dzimba nemakambani? Vamwe vachimhanya kubasa mangwanani? Zvondopfeka hembe isina mabu*ton Yoyoyoyoyo maiitei? [Verse 1: Winky D] Ichasvika nguva yokuti vana vachada kutibvunza zvinhu zvakawanda Tichawanikwa tichiva tinotiza asi chokwadi hakuna kwatichanohwanda Vachada kuona zvatakashanda Pamwe chete nenzira dzatakafamba Ngative tinodzichenesa nzira dzedu kuti mangwana zvotaurwa tisazviramba Zvino gumbura kuti ndaikwanisa asi pane pandakavairarwa Ngatisava tinoyeuka bako mushure mokunge tanaiwa Nguva yacho ndiyoyi vakachenjera vachagara vateya riva Iwe teya rako, mwana agoziva [Chorus: Winky D] Daddy maiitei? Vamwe vachitenga dzimba nemakambani? Vamwe vachimhanya kubasa mangwanani? Zvondopfeka hembe isina mabu*ton Yoyoyoyoyo maiitei? [Verse 2: Winky D] Zvingori better kuti mwana angogara achiziya kuti daddy vangu vanotrya Ingori nguva nemukana zviri kutadza kusangana pane madhiri avanofire Pane kuti mwana ati kana ari madhiri emari daddy vangu vakaretire Ndinozviziva hongu kuti zvinhu zvakaoma asi ndoramba ndichiti chingo aima higher Mikana inosiyana asi kune mwana ndichazonozvitsanangura sei? Anozvinzwisisa here, ndaishanda siku nesikati mwedzi wese pasina pay? Kubasa vachipa maenvelop kumba nemalandlord gaya taitarisana sei Zvinotonetsa kutsanangura, eh [Chorus: Winky D] Daddy maiitei? Vamwe vachitenga dzimba nemakambani? Vamwe vachimhanya kubasa mangwanani? Zvondopfeka hembe isina mabu*ton Yoyoyoyoyo maiitei? Daddy maiitei? Vamwe vachitenga dzimba nemakambani? Vamwe vachimhanya kubasa mangwanani? Zvondopfeka hembe isina mabu*ton Yoyoyoyoyo maiitei?