Jah Prayzah - Jerusarema lyrics

Published

0 619 0

Jah Prayzah - Jerusarema lyrics

[Intro] Hoye, hoo iherende, hoye Mambo Hoye, hoo iherende, hoye Mambo [Verse 1] Ndakakumbira vakuru kuti deno vanditsanangurire gwara Ndikakumbira midzimu kuti deno yanditambanudzire zvanza Ndakakumbira vakuru kuti deno vanditsanangurire gwara Ndikakumbira midzimu kuti deno yanditambanudzire zvanza Hoyere huya uone, huya uone Mambo Haa, hooye hoo, hoye Mambo Kwaziwai, kwaziwaika Changamire Nemi makurukota maunganire dare Ndiri mwana wazuro uno kwete kare Zvichida ndingazoresva chinyakare Chenai mwoyo mundiregererewo Dzorai mwoyo mundiregererewo Vakuru vakati mwana waMambo muranda kumwe Ndikayambuka Nyaitenga inorura ingwe Ndinozokaruka ndava Uzumba Marambapfungwe Kwainorira ngoma, ngoma yeJerusarema [Chorus] Haa, hohahoo Jerusarema (Ngariyambuke) Haa, hohahoo Jerusarema (Ngariyambuke) Haa, hohahoo Jerusarema (Ngariyambuke) Haa, hohahoo Jerusarema (Ngariyambuke) Hoo here, huya uone, hona Jerusarema (Ngariyambuke) Hoo here, hooye woye Jerusarema (Ngariyambuke) Hoo here, huya uone, hona Jerusarema (Ngariyambuke) Hoo here, hooye woye Jerusarema (Ngariyambuke) [Verse 2] Ndotangira papiko ini, ndotangira papiko nyaya yangu inorema? Ndotangira papiko ini, ndotangira papiko nyaya yangu inorema? Pamusoroi Changamire, mwana wenyu ndinomuda, ndinomuda ini Pamusoroi Changamire, mwana wenyu ndinomuda, ndinomuda ini Baba musandipira gotsi, mwana wenyu zvaitori mhodzi Mbeu yamakapfimbikira kare muhozi, zinyarimwe zai ribodzi Baba ndiri wechirudzi, kumusha kwedu kure hakuna njodzi Zai renyu harizoenda nerukodzi, zinyarimwe zai ribodzi iro [Chorus] Haa, hohahoo Jerusarema (Ngariyambuke) Haa, hohahoo Jerusarema (Ngariyambuke) Haa, hohahoo Jerusarema (Ngariyambuke) Haa, hohahoo Jerusarema (Ngariyambuke) Hoo here, huya uone, hona Jerusarema (Ngariyambuke) Hoo here, hooye woye Jerusarema (Ngariyambuke) Hoo here, huya uone, hona Jerusarema (Ngariyambuke) Hoo here, hooye woye Jerusarema (Ngariyambuke) [Outro] Haa, hohahoo Jerusarema (Ngariyambuke) Haa, hohahoo Jerusarema (Ngariyambuke) Haa, hohahoo Jerusarema (Ngariyambuke) Haa, hohahoo Jerusarema (Ngariyambuke) Hoo here, huya uone, hona Jerusarema (Ngariyambuke) Hoo here, hooye woye Jerusarema (Ngariyambuke) Hoo here, huya uone, hona Jerusarema (Ngariyambuke) Hoo here, hooye woye Jerusarema (Ngariyambuke)