[Intro] Ga ga gaaafa [Verse 1] Taivaona vachisasana Vachiri kamukomana neka musikana Vamwe vaiti vachachaya mapoto Vamwe vaiti hapana zvichapererera muchoto Vamwe vaiti hameno ndezvekwavo ikoko Nhasi vazounganidza vanhu Saka toisa maoko [Hook] Aihwa nhasi vabatanidzwa Hooray! Hooray! Hooray! (Topemberera) Iti iti Hooray! Hooray! Hooray! [Verse 2] Hona vadadisa vana Vaunganidza hama Zvipo zvizere Mabhozida ava kuzunza zvikwama Masahwira ari kunyama Vanhu vonyautsa mukanwa Mifananidzo torai hatidi kuzvikanganwa Tarisa vaperekedzi vanonwisa mvura bedzi Kafambiro kacho sengirozi dzatumwa natenzi Baba hatichada kunzwa kuti mateedza madhirezi Mabatanidzwa muhupenyu movhura imwe page [Bridge] Chipai kiss vachati Nguva yatasvika ndeye kiss vachati Maunganidza vanhu pakuda peace vachati Zvekurwisana mumba nikisi vachati
Hoiii hooo! [Hook] Aihwa nhasi vabatanidzwa Hooray! Hooray! Hooray! (Topemberera) Iti iti Hooray! Hooray! Hooray! [Verse 3] Pamusoroi vana baba Ndine shoko rimwe kune vairi vachata Muchiona mava amai nababa Teedzerai izvi muimba yamavaka Daddy vanoda kudziisirwa mvura Pakudzoka kumba baba musapfurikidza nguva Wanai nguva yekutandara pazuva Tozvikoshesa murudo dzamara mupinde muguva Saka madzimai ndipeiwo mhururu uko Ndipeiwo mhururu uko Nemi vana baba isai miridzo uko Isai miridzo uko Saka dzokororo ine simba [Bridge] Pakuda kiss vachati Nguva yatasvika ndeye kiss vachati Maunganidza vanhu pakuda peace vachati Zvekurwisana mumba nikisi vachati Hoiii hooo [Hook] Aihwa nhasi vabatanidzwa Hooray! Hooray! Hooray! (Topemberera) Iti iti Hooray! Hooray! Hooray!